Psalms 83

Rwiyo. Pisarema raAsafi.

1Haiwa Mwari, regai kunyarara;
musanyarara, imi Mwari, musati mwiro.
2Tarirai kumutswa kwaitwa vavengi venyu,
namasimudziro avaita misoro yavo.
3Vakarangana nounyengeri pamusoro pavanhu venyu;
vanorangana pamusoro paavo vamunochengeta zvakanaka.
4Ivo vanoti, “Uyai, ngativaparadzei sorudzi,
kuti zita raIsraeri rirove.”

5Vanorangana pamwe chete nomwoyo mumwe chete;
vanoita sungano yokuzorwa nemi,
6matende eEdhomu nevaIshumaeri,
neMoabhu navaHagari,
7Gebha, Amoni neAmareki,
Firistia, navanhu veTire.
8Kunyange neAsiria yabatana
navo kuti vasimbise zvizvarwa zvaRoti. Sera

9Muvaitire sezvamakaitira vaMidhia,
sezvamakaita kuna Sisera naJabhini paRwizi Kishoni,
10ivo vakafira paEndori
uye vakava sendove pamusoro pevhu.
11Muite makurukota avo saOrebhu naZibhi,
machinda avo ose saZebha naZarumuna,
12ivo vakati, “Handei tindotora
mafuro aMwari.”

13Haiwa Mwari wangu, vaitei sendira,
sehundi inodzingwa nemhepo.
14Somoto unopisa sango
kana moto unoririma mugomo,
15saka vateverei nedutu renyu
mugovavhundutsa nokutinhira wenyu.
16Fukidzai zviso zvavo nenyadzi
kuti vanhu vagotsvaka zita renyu, imi Jehovha.

17Ngavarambe vachinyadziswa
uye vavhundutswe; ngavafire munyadzi dzavo.
18Ngavazive kuti imi, mune zita rinonzi Jehovha,
ndimi moga Wokumusoro-soro ari pamusoro penyika yose.
Copyright information for SnaBDSC